25/10/2020
Nyakanyaka bhuku rekutanga
Bhuku rakanyorwa naTafadzwa Makamu aka dj boss tafa
Tisingapedze nguva yedu regai tipinde zvedu muchikamu chedu chekutanga mubhuku redu ranhasi tinzwe kuti zvakamira sei mukurarama kwainge kuchiitwa nevanhu vedunhu rekwamambo Chirenje mudunhu rekwaMakoni. Zvino painge paine umwe musha uyo waigara baba nevanakomana vavo vashanu nevanasikana vatatu kuita vasere pachishona chedu zvino pamusha apa painzi pavaMujoro avo vaive murimi uye vaive muvhumi mukuru aitozikanwa kuti kana muchida nyama yemhuka dzose waitoiwana ikoko waitogara wavaudza kuti ndinoda nyama yemhembwe kana kuti mhara.
Zvino baba vaMujoro vaiva munhu ainge akasimba kwazvo ndichireva kusimba kuye kwemhare chaiyo vanokodzera kuita machinda amambo mudunhu nekuti aive murume aive nehushingi kwazvo chero kuchitongwa matare mambo Chirenje vaitotumira shoko kuti udzai Mujoro auye kuno nekuti aikwanisa kubatsira nemazano pakutongwa kwenyaya dzose dzaiwanikwa mudunhu zvaive zvinhu zvaizofadza mambo kwazvo kuva nevarume vakachangamukira kutonga nyaya mudunhu kudai zvino zvaizoomera pakuti pose panoitwa chakanaka panowana vanoitaura nekushora kuti hapana chizikanwa zvino izvi zvakagadzira ruvengo kune umwe murume ainzi Mutambo uyo aida kwazvo kuti pose panotongwa nyaya iye aida kuti ave ndiye anodaidzwa asika chinotaura huzivo kwete kukura mhumhu kuita senzou usina nemashoko.
Nerimwe ramazuva mukupindana kwawo mavhiki pakauya vamwe vanhu avo vainge vanenyaya yavo yainge yanetsa kudunhu kwavo ichishaiwa anogadzirisa nekuti paida munhu anogona kugara nevanhu ava padi achionesana navo hupenyu. Mhuri iyi payakasvika mudunhu rekwaChirenje varume vose vakadaidzwa kuri vauye asi chakakadyamadza mambo ndechekuti Mujoro ainge asipo izvi hazvina kubata mambo zvakanaka kusvika vatumira shoko nenhume dzamambo kuti vainge vachidiwa asi izvi hazvina kubata zvakanaka Mutambo uyo akataura mashoko asina kubata zvakanaka vanhu vose vainge varipo kuti koimi munotsvagirei mbwende kuti dziuye kuzotonga nyaya isu tiripo varume kwavo vasvinhu kudai, zvakaratidza kuti uyu murume aive negodo chairo asika tose tinoziva kuti godo huroyi ndipo pwnotangira huroyi ipapo nekuti ukatanga kubatikana nekurwadziwa nekuti sei uyu achigona ini ndisingagoni. Zvisinei mambo havana chavakataura nekuti vaiziva kuti pane vanhu saka vanoda kuti nyaya itongwe ipere vanhu vaende vazosara vachigadzirisana nevanhu vavo zvakanaka ipapo painge patosimwa mhodzi yeruvengo chaiyo.
Nhume dzichisvika vaMujoro vakada kutomboramba chaiko kutsika madziro vakati aiwa handikwanise nekuti zvinogadzira ruvengo kudai zvangoita kuti vari ikoko vatonge nyaya namambo ini ndinoda kuenda kusango kunotsvagira mhuri yangu usavi ndave namazuva ndisati ndaenda ndaenda kunotsvaga !aiwa baba mambo vati tiuye nemi hazvigoni kuti tikusiyei tiende toga kune vanhu vabva kure saka imi semunhu anovimbwa nemi namambo murikudiwa tinotoenda tose ndizvo zvataura mambo! “zvakanakai tichaenda tose sekureva kwamaita handigoni kupikisa mashoko abva kuvasharukwa zvinorema' vakabuda vachienda vose kudare kwamambo uko kwavaidiwa vachisvika zvakafadza mambo nekuti vakaona munhu wavainge vachida vachiziva kuti chero zvikarema sei nyaya anomira nayo hapana chinorema kwaari vachigara pasi vakalwazisana nemufaro uye vakapira nyaya yavainge vafambira pamwe chete nezvaivanetsa.
Chitsauko chechipiri
Coming soon 0611845690